Mapurisa Oda Kusunga Vamiriri Vanomwe veMDC muParamende

MDC inoti nhengo dzayo dzinosvika nomwe idzo dzichangosarudzwa sevamiriri veparamende, dziri kutsvagwa nemapurisa dzichipomerwa mhosva dzinosanganisira kukonzera mhirizhonga.

Nhengo dziri kutsvagwa nemapurisa dzinosanganisira VaShepherd Mushonga vekuMazowe Central, VaPiniel Denga vekuMbare, VaPearson Mungofa vekuHighfield East, pamwe naVaBroadwin Nyaude vekuBindura South.

VaNaison Memadziwa vekuBuhera South vakapambwa neChipiri nevanhu vasingazivikanwi, uye havasati vazivikanwa kuti varipi. VaMushonga vanonzi ndivo vakakonzera mhirizhonga yakaitika kuChaona, kuChiweshe iyo yakaurayisa vanhu gumi nevatatu.

Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvose izvi zviri kuitwa nechinangwa chekuda kuti bato ravo ringe riine nhengo shoma musi unosarudzwa mutauriri weparamende kana paramende yavhurwa svondo rinouya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...