Vatsigiri veMDC Vanopotera paMuzinda weAmerica muZimbabwe

Vatsigiri veMDC vanodarika mazana maviri, vaenda kunotsvaga hupoteri kumuzinda weAmerica muZimbabwe. Vanhu ava vanga vachigara pamuzinda webato iri, paHarvest House muHarare, mushure mekutiza mhirizhonga. Vanhu vaungana pamuzinda uyu, vanosanganisirawo vana vadiki nevanhu vakwegura.

Mwedzi wapera, dzimwe nhengo dzeMDC dzakaendawo kunopotera pamuzinda weSouth Africa muZimbabwe. Asi vanhu ava vakazobviswa ndokubva vaendeswa kunogariswa kuRuwa. Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaJames Mcgee, vati vari mushishi rekutsvaga rubatsiro rwekupa vanhu vapotera pamuzinda wavo. Zvinonzi mapurisa akazara panze pemuzinda uyu.

VaSimbarashe Mungani mumwe weavo vapotera pumuzinda weAmerica muZimbabwe.

VaMungani vaudza Chris Gande weStudio 7 kuti vakatiza musha wavo kwaMutoko vakazopotera kuHarare.

Zvichakadaro, bato reMDC rinoti vanhu vakaendeswa kunogara pamahofisi eRuwa Rehabilitation Centre, iri kuRuwa, mushure mekubviswa pamuzinda weSouth Africa, vari kubatwa senhapwa. Bato iri rinoti vanhu ava havabvumidzwi kubuda mukamba iyi, uye vebato iri havabvumidzwi kushanyira vanhu ava.

Zvinofungidzirwa kuti mukamba umu mune vanhu vanodarika mazana matatu, kunyange hazvo vamwe vari kufungidzirwa kuti vakatiza.

VaFred Makuvise, avo vanoshanda kudivi rezve kubatsirwa kwevanhu kana kuti welfare muMDC, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kutambira mashoko ekuti vamwe vevanhu ava vari kutorwa usiku nevanhu vasingazivikanwi uye havasi kuzoonekwa zvakare.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...