MDC Inoti Mhirizhonga Yoramba Kupera muZimbabwe

Mhirizhonga inonzi iri kuramba ichienderera mberi mumatunhu akawanda emunyika, kunyange hazvo pasisina sarudzo ichaitwa sezvo VaMugabe vakagadzwa kechitanhatu semutungamiri wenyika. Mumwe mudzimai anonzi akapondwa nevechidiki veZanu PF neSvondo pakamba yakaiswa paMutiusinazita kuBuhera South, mudunhu reManicaland.

MDC inoti nhengo dzayo dzinodarika makumi mapfumbamwe dzafa mumhirizhonga, uye vanhu vanosvika zviuru zvishanu havasi kuzivikanwa kuti varipi mushure mekupambwa nevanhu veZanu PF. Vakasarudzwa kumirira Mazowe Central muparamende, VaShepherd Mushonga, vanoti vari kutadza kuviga nhengo dzavo nhatu dzakapondwa svondo rapera nekuda kwemhirizhonga iyo ichiri kuitika mudunhu ravo. VaMushonga vaudza Studio 7 kuti vamwe vevakafa ava vakamanikidzwa kunwa muchetura nevechidiki veZanu PF.

Ukuwo, gweta raimirira nhengo dzeMDC dziri muhusungwa kuBindura, VaErnest Jena, vanonzi vakapambwa kubva pamahofisi avo makare muBindura nemusi weChipiri svondo rapera, uye havasati vazivikanwa kuti varipi.

Mushandi anoona nezve kuburitswa kwemashoko muMDC, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vatsigiri vavo vakawanda vari kutya kubva mumakomo mavakahwanda sezvo makamba akaumbwa neZanu PF asati aparadzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...