Vanhu Vashoma Vanovhota muGweru, Mutare

  • Loirdham Moyo
    Taurai Shava

Vanhu vakawanda havana kuenda kunovhota kwaMutare, kunyange hazvo Zanu PF iri kunzi yanga ichityisidzira vanhu. Sekutaura kuri kuita Loirdham Moyo, masoja ekwaMutare aonekwa achidzinga vanhu pamusika wemabhazi achiti vaende kunovhota.

Ukuwo kuGweru, Taurai Shava anoti vanhu vakuru ndivo vaonekwa vari mumitsetse yekuvhota, vechidiki vachiswera vachifamba zvavo mumigwagwa sepasina chiri kuitika muguta ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...