Nyanzvi Dzozeya Zvinoreva Sarudzo yeRun Off

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika dzinoti kunenderera mberi nesarudzo kwaitwa naVaMugabe, hazviri chinhu, sezvo VaMugabe vari ivo vari kuzviridzira ngoma, voridza hosho, voshaura, votamba uye kuzvipururudzira.

Vamwewo ndivo vari kukurudzira nyika dzemuAfrica uye pasi rose kuti dzisatambira zvichabuda musarudzo iyi, sezvo yaitwa muhumbimbindoga. Vamwewo ndivo vari kushaya shumo yazvo, sezvo izvi zvisati zvamboonekwa pasi rose zvekuti munhu mumwe chete anozvikwikwidza musarudzo.

Mukuzeya nyaya iyi, Jonga Kandemiiri weStudio7 abata nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, pamwe naVaSydney Chisi, vanove Director wesangano reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe, avo vanowirirana kuti sarudzo iyi mahumbwe chaiwo, sezvo VaMugabe vari kuzvikwikwidza voga musarudzo idzi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...