Mapurisa anomirira kudzivirirwa kwemhirizhonga anosvika makumi matatu apinda nechisimba mumahofisi eMDC muHarare, akatora nechisimba vanhu vanosvika makumi matanhatu. Vanhu ava vanga vari muhupoteri pamuzinda uyu.
Vaona zvichiitika vanoti mapurisa aya asvika nebhazi akatora vanhu ava, ndokuenda navo kusina ani ari kuziva.
Vanhu vanosvika chiuru, kana kudarika, vanonzi vanga vakaungana pamuzinda uyu vachitsvaga hupoteri, zvichitevera mhirizhonga iri kuitika munyika.
Muzvare Thokozani Khupe
ndivo mutevedzeri wemutungamiri weMDC. Muzvare Khupe vanoti zvaitwa nemapurisa zvinoratidzakuti haaremekedzi kodzero dzevanhu, zvikuru nhengo dzeMDC.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Khupe kuti tinzwe zvaitika.