Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vambohwanda vachityira hupenyu hwavo. Kubvira zvavakataura neSvondo kuti havachapinde musarudzo, VaTsvangirai vanoti zvinhu zvabva zvaita manyama amire nerongo kwavari. Kunyange hazvo VaTsvangirai vasina kuda kutaura kwavari pari zvino, vakuru muhurumende yeNetherlands, vanoti VaTsvangirai vapotera kumuzinda wavo.
Muzinda we Netherlands unoti waona zvakakodzera kuti vachengetedze hupenyu
hwaVaTsvangirai, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika. VaTsvangirai vakazivisa kuti havaizopinda
musarudzo nekuti mhirizhonga yainge yanyanya uye vaitadza kuita misangano
yebato ravo. NeSvondo musangano webato ravo waida kuitwa muHarare wakamiswa nemhirizhonga yakakonzerwa nevatsigiri veMDC.
Zanu-PF inoti iri kuzoenderera mberi nesarudzo iyi kunyange hazvo MDC ikati haisi kuzokwikwidza. Nyika dzakawanda dziri kushorawo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezvavari kuita. Sachigaro weSADC, VaLevy Mwanawasa, vanotiwo sarudzo inofanira kuendeswa mberi nekuti mhirizhonga iri munyika yakawandisa.
VaTsvangirai vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, kuti havangataure kuti varipi asi vati vari kutyira hupenyu hwavo.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika, vari kutsigira danho rakatorwa naVaTsvangirai. Vazhinji vataura neStudio 7 vanoti dai VaTsvangirai vapinda musarudzo iyi, vanga vachangoita kuti VaMugabe vazvirove dundundu, vachiti vakunda zvakare musarudzo, sezvo vanga vagara vakataura kuti hazviite kuti vasiire VaTsvangirai basa rehutungamiri wenyika.
Zvisineyi, vamwewo vari kupokana vachiti dai MDC yangopedzisa basa rayakatanga, sezvo vatsigiri vebato iri, vari kuyaura kuti bato ravo rikunde.
VaPedzisai Ruhanya, vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Senior Program Officer musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition.
VaRuhanya vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, kuti vanonzwisisa danho ratorwa naVaTsvangirai nekuti vanhu vakawanda vari kupondwa.