Vmutungamir
i
wevanoongorora Vanoongorora sarudzo, vari pasi pePan-African Parliament, VaMarwick Khumalo,
vanoti neChina vashamisika kuona vanhu vanga vachinyoresa mazita ekuti
vakwanise kuvhota svondo rinouya.
VaKhumalo nevamwe vavo vanosvika makumi
matanhatu, vapinda munzvimbo dzakasiyana munyika mose. Ivo vaswera kuMt Darwin,
asi vati vamwe vavo, vanga vachiongororawo zvimwe zvinosanganisira kuuraiwa
kwakaitwa nhengo dzeMDC kuChitungwiza, vakaona kuti mashoko aya nemamwe avari
kunzwa, ndeechokwadi.
Vakhum VaKhumalo vanoti vakaita musangano naVaTsvangirai neChitatu uye naVa Emmerson Mnangagwa vachimirira VaMugabe. VaKhumalo vanoti vakavazivisa VaMnangagwa kuti vanofanirwa kuona zvavangaite nezvenyaya yemhirizhonga, asi VaMnangagwa vanonzi vakati vePAP, vanofanirwa kutaura nemukuru wemapurisa, Police Commissioner General Augustine Chihuri.
Asi zvinonzi VaChihuri vakanzura musangano wavanga vachifanirwa kuita navo, zvisina tsarukano. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaChihuri.
Mutori wenhau weStudio Carole Gombakomba , aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, Professor John
Makumbe, avo vanoti zvinofadza kuti vePAP vari kutaura chokwadi pamusoro pezviri kuitika munyika.
Zvichakadaro DireDirector weSADC Organ on Politics and Defense, uye vari mutungamiri wevaongorori vesarudzo pasi pe SADC, VaThanki Monthae, vanoti ichokwadi kuti munyika mune mhirizhonga yakanyanya ingangokanganise sarudzo.
I
Izvi zvatsinhirwawo negurukota rezvekunze kweTanzania, VaBernard Membe, avo vati gwaro reSADC
Executive ravanaro riri kutiwo sarudzo haingaitwe zvakanaka nenyaya
yemhirizhonga.
SADC inosimboramba kuti munyika mune mhirizhonga ichiti pakaitwa sarudzo, yorega kushora VaMugabe. VaMonthae vanoti pari zvino vane vaongorori vesarudzo vanosvika mazana maviri nemakumi maviri, uye vamwe makumi masere vasvika munyika nhasi.
Mutori wenhau we Studio 7, Blessing Zulu, aita hurukuro naVaNelson Chamisa, mutauriri weMDC kuti tinzwe kuti vanoti kudii nemashoko eSADC aya.
Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...