Nhumwa yeUnited Nations, VaHaile Menkerios, neChitatu vaita hurukuro ne mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai, pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika. Mushure mezvo, VaTsvangirai, vaita zvakare musangano nevamiriri vePan African Parliament, vari munyika.
Imwe nhengo ye PAP yataura neStudio 7 yati vaita zvakare musangano naVaEmmerson Mnangangwa, vanga vakamirira VaMugabe.
Mutauriri we PAP uyu ati chinangwa chavo ndechekuti vatange vanzwa mativi ose ari kukwikwidza musarudzo, vasati vataura maonero avo pane zviri kuitika munyika.
Asi mutungamiri wechikwata chePAP, VaMarwick Khumalo, vakaudza vatori venhau muHarare neChipiri, kuti dai vari kukwikwidza musarudzo idzi, vakarega kunyombana, kuitira kuti vanhu varege kurovana, kana kuurayana panguva yekugadzirira sarudzo.Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nemunyori anoona nezve kudyidzana nedzimwe nyika muMDC, VaEliphas Mukonoweshuro, avo vanoti kunyange hazvo vaita misangano iyi, havatarisiri kuti pane chingashanduke, sarudzo isati yaitwa svondo rinouya.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...