MDC Inoti VaMugabe Ndivo Vari Kukonzera Mhirizhonga, Kwete Iyo

MDC yaramba mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti iri kukonzera mhirizhonga munyika. Vachitaura kuKadoma neMuvhuro vachitsvaga rutsigiro, VaMugabe vakayambira kuti vachasunga vatungamiri veMDC nekuti ndivo vari kupesvedzera mhirizhonga.

Asi masangano akaita seUnited Nations nemamwe, anoti hurumende yaVaMugabe ndiyo iri kukonzera mhirizhonga, iyo yaurayisa vanhu vanodarika makumi manomwe.

VaMugabe mbune, uye mutevedzeri wavo, VaJoseph Msika, pamwe nevakuru vemauto nemapurisa, vakatoyambira kuti MDC ikakunda musarudzo, pachaita hondo.

Mibvunzo yavapo ndeyekuti kana VaMugabe nevamwe vavo vasiri kuzotambira kukunda kwaVaTsvangirai, seyi vari kupinda musarudzo iyi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe mbune ndivo vari kukonzera mhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...