Seneta we Illinois, VaBarack Obama, vaita munhu mutema wekutanga kupinda musarudzo yemutungamiri we America. VaObama ndivo vachange vakamirira bato reDemocratic Party, zvichitevera kukunda kwavakaita seneta we New York, Amai Hillary Clinton, mudzimai wevaimbove mutungamiri we America, VaBill Clinton, musarudzo yekutsvaga achamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika. VaObama vakadomwa semumiriri we Democratic Party Chipiri manheru apo vakakwanisa kuwana vamiriri vanopfuura 2 118, avo vanodiwa kuti munhu atambirwe semumiriri webato iri musarudzo huru yemutungamiri weAmerica.
VaObama, avo vana baba vanobva kuKenya, vava kusangana musarudzo yemutungamiri wenyika, naVa John McCain, veRepublican Party, muna Mbudzi. VaErnest Mudzengi vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari National Director we NCA.
Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaMudzengi kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika muAmerica munyaya dzezve matongerwo enyika, takatarisa kukunda kwaVaObama.