Va Ban Ki-Moon Voudza VaMugabe Kuti Vatambire Nhumwa dze United Nations

Munyori mukuru weUnited Nations, Va Ban Kin Moon, neChipiri vakaita musangano naVa Robert Mugabe, parutivi pemusangano mukuro wezvekuwanikwa kwechikafu chakakwana, uyo wakarongwa ne Food and Agriculture Organization.

Mutevedzeri wemutauriri waVaBan, Mai Marie Okabe, vaudza Studio 7 kuti VaBan-Ki Moon, vakakurudzira VaMugabe kuti munyika murege kuva nezhowe-zhowe, pamwe nekuti vatambire vanoongorora sarudzo vasina divi ravakarerekera.

Mai Okabe vati zvakare Va Ban Ki Moon, vakati zvakakodzera kuti munyika muve nenhumwa yeU.N, inoongorora sarudzo ye run-off.

VaMugabe vanonzi havana kupokana nepfungwa dzaVa Ban Ki-Moon idzi.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba aita hurukuro nenyanzvi mune zvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, kuti tinzwe pfungwa dzavo pamusoro pezvakabuda muhurukuro idzi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...