VaMugabe Voshandisa Mari Kuti Vasarudzwe seMutungamiri weNyika?

Hurumende neChitatu yakazivisa kuti ichange ichibatsira vanhu pachena nedzidzo, kurapwa, pamwe nezvekudya.

Gurukota rezvehupfumi, VaSamuel Mumbengengwi, vakaudza bepanhau reHerald kuti izvi zvichatotanga iko zvino kuitira kubatsira vanhu munhamo yavanoti yakonzerwa nezvirango zvakatemerwa nyika.

Vamwe vakuru mubhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe vanoti vakatoudzwa kuti vatange kudhinda mari yakawanda yekuita izvi.

Gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vanonziwo vakatombonyorera VaMugabe tsamba kuti vataurirane neMDC, kuitira kuti vasaite sarudzo, asi VaMugabe vakatsika madziro madziro.

Director wesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Dr Godfrey Kanyenze, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zvava kuitwa nehurumende zvichaita kuti hupfumi huende kumawere.

Ukuwo mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti zvoitwa neZanu-PF kuyedza kuda kubata vanhu kumeso.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...