VaTsvangirai Vodzokera Kumusha Kunyange Kwaberekera Ingwe

  • Benedict Nhlapho
    Blessing Zulu

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakashanyira zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika chiuru zviri muhupoteri pakamba yemapurisa ku Alexandra, muJohannesburg.

VaTsvangirai vakurudzira vanhu ava kuti vaende kunovhota musarudzo ye run off, kuitira kuti matambudziko avakatarisana nawo apere zvachose.

Mutori wenhau weStudio7, Benedict Nhlapho, anoti vanhu vafara zvikuru pavakaona VaTsvangirai vachivakurudzira kudzokera kumusha kunovhota kuitira kuti vabvise VaMugabe pachigaro.

Kudzokera kumusha kwaVaTsvangirai kunoitika apo mhirizhonga iri kuitika munyika, iri kunzi ichavhiringidza sarudzo ye run off musi wa 27 Chikumi.

Mutori wenhau, Blessing Zulu weStudio7, aita hurukuro naVaTsvangirai avo vati hurumende inofanira kuvachengetedza.

Tabatawo mumwe murume ati anoda kudaidzwa nezita rekuti Tawanda chete, uyo ari muhupoteri muSouth Africa. Tawanda audza Patience Rusere weStudio7 kuti vazvipira kudzokera kumusha kunovhota, kwete kuti varambe vachishungurudzwa muSouth Africa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...