VaMugabe Votadzisa Masangano Akazvimirira Ega Kuita Basa

Masangano akazvimirira oga anodarika makumi maviri atarisana nedambudziko rekushungurudzwa nevasori, mapurisa pamwe nevanozviti vaive varwiri vehondo yerusununguko.

Sachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, neMuvhuro vakazvipereka kumapurisa, zvichitevera kutorwa kwakaitwa midziyo yemuhofisi yavo pamwe nemagwaro avo nemapurisa nemusi weChishanu.Asi VaKututwa havana kuchengetedzwa nemapurisa. Vanoshandira ZESN vari kushungurudzwa, zvichitevera kuongorora kwavakaita sarudzo dzemuna Kurume.

Zimbabwe Peace Project inotiwo nhengo dzayo dzanzwa nekupisirwa misha, kana kushungurudzwa zvakare.

Sangano reMurehwa Community Trust rinonziwo rambomisa basa pamwe nereCenter for Research and Development maMutare.

Executive Director vesangano iri VaFarai Maguwu, vaudza Carole Gombakomba kuti zviri kuitika musangano ravo zvinoshungurudza.

Masangano akazvimirira oga anodarika makumi maviri anotiwo atarisana nedambudziko rekushungurudzwa nevasori, mapurisa pamwe nevaimbova varwiri vehondo yerusununguko.

Carole Gombakomba weStudio7 aitawo hurukuro naVaFambai Ngirande, avo vanoona nezvekubuditswa kwemashoko muNANGO, kuti tinzwewo zvavari kuona.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...