Sangano rinoshanda rakazvimirira reMurehwa Community Development Trust rinoti vanhu vari kuramba vachishungurudzwa mudunhu iri, uye vechidiki veZanu PF pamwe nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vakaumba makamba ekushungurudzira vanhu munzvimbo dzakawanda.
Imwe yemakamba aya inonzi iri paCorner Store, mumugwagwa weMurehwa-Nyamapanda. Pakamba iyi panonzi pari kushungurudzwa vanhu zvinosiririsa.
Vanonzi vari kutungamira mukushungurudzwa kwevatsigiri veMDC, ndiVaDavid Parirenyatwa, gurukota rezvehutano uye vakasarudzwa kumirira Murehwa North muparamende, pamwe naVaBright Makunde, avo vakasarudzwa kuve seneta weMurehwa.
Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaParirenyatwa naVaMakunde panyaya yavari kupomerwa iyi. KuGutu West kunonziwo mumwe murume akatemwa nedemo akakuvara zvakaipisisa neChipiri usiku achipomerwa mhosva yekutsigira M-D-C.
Sangano reZimbabwe Peace Project rinotiwo vatsigiri veZanu PF vakonzera mhirizhonga paDriefontein kwaChirumanzi, kuMasvingo, izvo zvinonzi zvakonzera kuvharwa kwechipatara cheDriefontein.
VaVillem Nyama, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reMurehwa Community Development Trust, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanhu vakatiza misha yavo kwaMurehwa vava kuda rubatsiro rwechikafu.
Ukuwo, mamwe masangano akazvimirira oga anobatsira vanhu pasi rose, aita musangano nemamwe masangano akazvimirira oga emuZimbabwe. Masangano aya anoti musangano uyu wanga uri wekuedza kutsvaga nzira dzekubatsira vanhu vari kutambudzika zvichitevera kurohwa kana kushaiswa pekugara nekuda kwenyaya dzezve matongerwo enyika.
Bato reMDC rinoti muHarare kwasvika rori yakazara vanhu vabva kuGokwe North, vachitiza maWar Veterans nevechidiki veZanu-PF vari kunzi vari kurova kana kupisa misha yavo. Vamwewo vawirwa nedambudziko iri vanonzi vakagara pamahofisi eMDC mumamwe maguta akaita seMutare neMasvingo.
Carole Gombakomba aita hurukuro naVaRangu Nyamurundira, gweta rinorwira kodzero dzevanhu musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, kuti tinzwe maonero avo panyaya iyi.
Blessing Zulu weStudio 7 abatawo sachigaro wevechidiki muMDC Mashonaland Central Province, VaTonderai Samu, avo vati mhirizhonga iri kuenderera mberi kuMBire Constituency, kuMt Darwin.