Vaimbove Varwiri Verusununguko Vobvutira Vachena Mapurazi Avo

Masangano anomirira varimi vachena, eCommercial Farmers pamwe nereJustice for Agriculture, anoti ari kushushikana zvikuru nekubvutwa kuri kuitwa mapurazi evachena nevanozviti vaimbove varwiri vehondo yerusununguko.

Mutori wedu wenhau Slyvia Manika anoti masangano aya afunga zvekutora matanho, senzira yekudzivirira kodzero dzevarimi ava.

Mamwe mashoko atiri kutambira anoti varimi vechichena vose vari pamapurazi mazana mana nemakumi mashanu, vaudzwa kuti vabve pamapurazi avo nevaimbove varwiri verusununguko, pamwe nevechidiki vebato reZanu-PF.

Sangano reJustice for Agriculture rinoti varimi vechichena vanosvika zana nemakumi maviri, vatotanga kubva vega mumapurazi aya vachityira upenyu hwavo, uye vamwe makumi matanhatu, vakatobviswa zvichisimba.

Hupenyu hwevashandi vemumapurazi aya, hausi kuzivikanwa kuti huchafamba seyi zvicheteera kubvutwa nechisimba kwemapurazi aya.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naVaBen Gibson, avo vaimbove nepurazi muHeadlands, uyezve vari nhengo yeJAG kuti tinzwe zviri kuitika munyika mose.

Ukuwo, rimwe sangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberators Platform, rinoti riri kukurudzira vamwe vakarwa hondo veZimbabwe National Liberation War Veterans Association, pamwe nevakuru vemauto nemapurisa, kuti varemekedze zvakabuda musarudzo.

Munyori mukuru wesangano iri, VaWilfred Mhanda, avo vaizivikanwa munguva yehondo nezita rekuti Dzinashe Machingura, vanoti hazvichabatsiri kuti Zanu PF naVaMugabe varambe vachishandisa nyaya yevhu pakutsvaga rutsigiro, sezvo pasisina vachavateerera.

Studio 7 yatadza kubata sachigaro wemaWar Vets, VaJabulani Sibanda, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro naVaMhanda kuti tinzwe pamire sangano ravo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...