Christian Alliance Inoronga Minamato Yekunamatira Nyika

Sangano reChristian Alliance rinoti rakaronga kuita minamato yekunamatira nyika kuti ibude mumatambudziko ayiri, ayo ari kukonzerwa nekusaziviswa kwevanhu zvakabuda musarudzo.

Minamato iyi ichange ichiitwa munyika yose, uye munhu wese akasununguka kunge achipinda muminamato iyi.

Svondo rapera, sangano iri rakaburitsawo gwaro raikurudzira mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti kana vachinge vachizopinda muhurukuro dzehurumende yemubatanidzwa neZanu PF, vapinde vakachenjera, sezvo nhoroondo yaVaMugabe nebato ravo reZanu PF, ichizivikanwa.

Mumwe vevatungamiri veChristian Allaiance, VaJonah Gokovah, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti iyi ndiyo nzira chete yavanoona kuti ingapomhodze vanhu veZimbabwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...