MDC Yokwidza Zimbabwe Electoral Commission Kumatare

MDC yaendesa ZEC kumatare edzimhosva nechinangwa chekuti iburitse zvose zvakabuda musarudzo dzemutungamirio wenyika. MDC inoti ZEC iri kutyora mitemo yenyika kana ichitadza kubudisa zvakabuda musarudzo dzakaitwa neMugovera mukati memazuva matanhatu.

Magweta eMDC anoti nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa nechimbi chimbi mumatare edzimhosva.

Rimwe remagweta ari kumirira MDC, VaCharles Kwaramba, vaudza Patience Rusere weStudio7 kuti vaendesa ZEC kumatare sezvo iri kutyora mitemo yesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...