VaMzembi Voshaisa Mufaro Nhengo dzeMDC  kuMasvingo

Vari kumirira ZANU-PF musarudzo yenhengo yedare reparamende kuMasvingo South, VaWalter Mzembi, vanonzi vari kuvhunditsira pamwe nekushungurudza vatsigiri veMDC inotungamirwa naVaTsvangirai. Zvinonziwo VaMzembi vari kupomerawo mapurisa ari mudunhu iri mhosva yekushanda neMDC. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMuzembi.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera uyo akashanyira kuMasvingo, VaMzembi vanonzi vari kurwadzikana nehuwandu hwevanhu vari kunda kumisangano yeMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

Mamwe mashoko anotiwo anoti mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika iri kuenderera mberi mumatunhu akasiyana-siyana ekuManicaland.

Sekutaura kuri kuita Loirdham Moyo ari kwaMutare, MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, pamwe nevemasangano akazvimirira ega, vanoti mhirizhonga iyi, iri kukonzerwa nevatsigiri veZANU-PF.

Zvichakadaro, vana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu vanoti kukuvadzwa kuri kuitwa vanhu, hakuna kunyanya zvichienzaniswa nezvakamboitika mune dzimwe sarudzo.

Vanoona nezve kubatsira vanhu muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Blessing Matimba, vaudza Studio 7 kuti vanhu makumi maviri vakarohwa kubva patanga gadziriro yesarudzo, asi bato iri richiri kuongorora mashoko evamwe vatatu varohwa neChipiri kuMashonaland West, nevamwe vashanu vakarohwa kuMt Darwin nekuBindura neMuvhuro.

VeUPP vanotiwo nhengo dzavo nomwe dzakarohwawo, kubva patanga gadziriro yesarudzo iyi. MDC yekwaVa Arthur Mutambara inotiwo nhengo dzayo dziri kurohwa, asi haina kukwanisa kutipa huwandu hwevakakuvadzwa.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nasachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, kuti tinzwe kuti vanhu ava vari kukuvadzwa zvakadii.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...