Kushungurudzwa Kwenhengo dzeMDC Konyanya Mumatunhu Akawanda

  • Jonga Kandemiiri

Vatsigiri veMDC mudunhu reMutoko East, vanoti vari kushungurudzwa nehutungamiri pamwe nevechidiki veZanu PF, avo vari kuvamanikidza kupinda mumisangano yavo. Vatsigiri veMDC ava vanoti kana vasina kupinda mumisangano yeZanu PF iyi, vari kunyimwa chikafu chinotengeswa neGMB kana kuparadzirwa zvirimwa zvavo.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mumatunhu akasiyana siyana munyika.

Mumwe mugari wekwaMutoko, VaCollen Joka, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vemapato anopikisa vari kutoita misangano yavo vakahwanda kuitira kuti vasaonekwa.

Ukuwo mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, anoti mapurisa ekwaMutare ari kuferefeta nyaya yekupiswa kweimba yevaimbove murwiri wehondo yerusununguko, VaMisheck Masukume, kuMutasa South. Imba iyi yakapiswa nemusi weChitatu manheru.

Mune imwe nyaya, vanhu vekuRushinga kuMashonaland Central, vanoti vari kugara vachitya zvichitevera kupambwa kwaVaEdson Muwengwa, avo vachamirira bato reMDC yaVaTsvangirai muWard 20 musarudzo yemakanzura dzichaitwa kupera kwemwedzi uno.

Mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, anoti pane fungidziro yekuti VaMuwengwa vakapambwa nenhengo dzeZanu PF sezvo izvi zvakaitika mushure memusangano weZanu PF mudunhu iri.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kushungurudzwa kuri kuitwa vemapato anopikisa uku, chiratidzo chekuti ZANU-PF iri kutya kukundwa nemapato anopikisa. VaSydney Masamvu vanoongorora zvematongerwo enyika kuchamhembe kwe Africa musangano re International Crisis Group.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMasamvu, avo vanoti vari kutyira kuti kushungurudzwa nekusungwa uku, kungangoenderera mberi panguva yekugadzirira sarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...