SADC Yotumira Chikwata Chinoongorora Sarudzo Munyika neSvondo

SADC inoti yakatotumira kare chimwe chikwata chevanhu avo vari kushanda nehurumende pamwe ne ZEC munyaya dzegadziriro yesarudzo.

Director mubazi reSADC, re Organ on Politics, Defense and Security Affairs, Retired Lieutenant Colonel Tanki Mothaye, vanoti SADC ichaparura hurongwa hwayo hwekuendesa chikwata chose chevaongorori vesarudzo musi weSvondo.

VaMothaye vati havatambiri zviri kutaurwa neavo vari kuti sangano ravo ranonoka kutanga kuongorora nezvesarudzo, vachiti chikwata chakatungamira, chakatotanga kuvaudza zviri kuitika.

Ukuwo sangano re Crisis in Zimbabwe Coalition, rinoti SADC yakatononoka kutumira nhumwa, uye sangano ravo, riri mushishi yekusangana nevamiriri venyika dzemuSADC nedzimwewo nyika, richivatsanangurira mamiriro akaita zvinhu munyika.

VaPedzisai Ruhanya ndivo senior programs manager muCrisis in Zimbabwe Coalition.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaRuhanya, avo vanoti kunyange hazvo mutemo weSADC uchiti nhumwa dzeSADC dzinofanirwa kuuya kwasara masvondo maviri kana kudarika, SADC yaifanirwa kukurumidza kuuya muZimbabwe sezvo nyika yakatarisana nematambudziko munyaya dzezve matongerwo enyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...