Vachuchisi Vanorasa Nyaya Yanga Ichipomerwa Va Patrick Kombayi

Vachuchisi vedzimhosva muGweru varasa nyaya yekunyora mumigwagwa nepazvikwangwari zvemumigwagwa, yanga ichipomerwa munyori anoona nezve kuburitswa kwemashoko muMidlands muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaPatrick Kombayi.

Zvinonzi vachuchisi vaudza mapurisa kuti akasunga VaKombayi pasi pemutemo usiri iwo, vakati kana mapurisa achida kuenderera mberi nenyaya iyi anofanirwa kushandisa masamanisi.

VaKombayi avo vari kuda kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga seneta weGweru-Chirumanzi, nevamwe vaviri vakasungwa nemusi weSvondo vachipomerwa mhosva yekutyora Section 53 yemutemo wesarudzo kana kuti Electoral Act.

Vatatu ava vanonzi vakawanikwa vachinyora mashoko ekushambadza zvesarudzo mumugwagwa weGweru-Mvuma vachibva vangosungwa nepamurisa. Mapurisa akatorawo motokari yebato reMDC yaishandiswa nevatatu ava panguva iyi.

Gweta riri kumirira vatatu ava, VaReginald Chidavanyika, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofunga kuti mapurisa arwadzikana nedanho ratyorwa nevachuchisi rekuramba kuti nyaya iyi imiswe pamberi pedare.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...