VaMugabe Vokomekedzwa Kuremekedza Mitemo yeSADC

Sangano reCatholic Justice and Peace Commission kana kuti CPJC rinoti hurumende inofanira kutevedzera zvisungo zvesadc, kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena. Ukuwo gurukota rezvekunze muSouth Africa, Amai Nkosazana Dlamini Zuma, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe itevedze zvisungo zveSADC.

Amai Dlamini Zuma vanoti izvi zvinofanira kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa. CJPC inotiwo ZEC inofanira kubviswa uye sarudzo dzoendeswa mberi nekuti hapana gadziriro yakati tsvikiti yati yaitwa kuitira kuti sarudzo dziitwe zvakana.

Mashoko aya anouya apo mapurisa ekuMasvingo ari kunzi ari kudzivisa vanhu veMDC kuita misangano kunyange hazvo sarudzo dzava pedyo. Masvingo ndiyo ine vanhu vakawanda veZanu-PF vari kukwikwidzana.

Nhengo dzebato iri dzinonzi dzave kushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vanotsigira Zanu-PF.

VaTongai Matutu ndivo vari kumiririra MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai musarudzo idzi vaudza munyori wenhau Blessing Zulu kuti mapurisa arikuvadzivisa kuita misangano.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...