Zvinhu zvinonzi zvanga zvakanaka mumabhanga makuru emuHarare, sezvo vanhu vanga vari vashoma vanga vari mumitsetse yekutora mari.
Zvinhu zvinonzi zvanga zvisati zvanyatsogadzikana kuma building society neku People’s Own Savings Bank (POSB) sezvo mitsetse yevanhu yanga ichiri kukura.
MuBulawayo zvinhu zvinonzi zvaratidzawo shanduko sezvo mitsetse yanga iri midiki mune mamwe mabhanga, asi mamwewo achinzi anga achingopa $50 million chete pazuva. KwaMutare zvinhu zvinonziwo zvaratidza shanduko, zvikuru kumabhanga makuru, asi kumaBuilding Society kunonzi kwanga kuine mitsetse yevanhu vanga vachida kutora mari dzavo.
Shanduko yemumabhanga iyi inouya mushure mekunge gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vapa vemabhanga mhosva yekushaikwa kwemari munyika vachiti havasi kutora mari iyi kubva kudura remari yenyika. Ukuwo gurukota rezve mari, VaSamuel Mumbengegwi, vakapawo vemabhanga svondo rimwe chete rekuti vange vagadzirisa zvinhu, vachiti vanenge vatadza kupedza mitsetse yevanhu vanenge vachida kutora kana kubhanga mari, vaizotorerwa matanho makukutu.
Nyanzvi mune zveupfumi, VaJohn Mufukare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvinhu zvinogona kuratidzika sezvanaka pari zvino nekuti vanhu vanenge vakatora mari dzavo dzose dziri kumabhanga kuburikidza nemari dzavava kubvumidzwa kutora.