Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Wayne Bvudzijena, vazivisa kuti mapurisa ari kuda kubvunzurudza nhengo yeparamende yeZANU-PF inomiririra Guruve South, uye vari sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezve kufambiswakwa kwemari, VaDavid Butau, nenyaya ine chekuita nemari kana kuti exchange control violations.
Kuda kubvunzurudzwa kwaVaButau kunotevera mashoko emukuru we Reserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, ekushora komiti yavo kuti haisi kuda kuti vape humbowo hunoratidza kuti pane vakuru munyaya dzezvematongerwo enyika vari kuita zvehuori panyaya yekutengesa mari pamukoto.
VaGono vakati vaidisa kuti vadanwe nekomiti iyi kuti vape humbowo. Asi VaButau vakati havaizodaidza VaGono kukomiti yavo kusvika vaongorora mashoko avo. Pataenda kumhepo hatina kukwanisa kuziva kuti VaButau vange vazvipira kumapurisa here kana kuti kwete.
Nyaya yekushomeka kwemari kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo R-B-Z iri kuti yakadhinda mari inpopfuura 20 trillion dollars yema bearer cheques matsva ema Z$250 000, Z$500 000 ne Z$750 000.
Vanhu vakawanda vamukira uye vakaswera vari mumitsetse vachimirira mari, asi vakawanda vadzokera kumba pasina chavawana.
Blessing Zulu weStudio7 abata Amai Chipo Muchineripi avo vange vakamirira mari pabhanga, akatanga nekuvabvunza kuti zvinhu zvange zvichifamba sei muHarare.
Tichiri panyanya iyi, nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari mudzidzisi paUniversity of South Africa, VaDaniel Makina, Vanoti VaGono vari kutadza kuita basa ravo.
VaMakina vanoti munhu wese munyika ava kugara akachengeta mari yake kumba, sezvo vasingadi kuti vaende nayo kumabhanga.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMakina kuti tinzwe kana zviri kuitwa naVaGono zviri zvinhu zvine musoro.