Amai Matibenga Vanoti Vanovimbo Kuti Nyaya Yavo Ichagadziriswa Kuchishandiswa Bumbiro Remutemo Rebato

Amai Lucia Matibenga avo vakabviswa pachinzvimbo chekutungamira bazi remadzimai muMDC inotungamirirwa nava Morgan Tsvangirai kutanga kwemwedzi wa October, vanoti vanetarisiro nevimbo yekuti nyaya yavo iyi ichagadziriswa zvinogutsa, kana kukatevedzwa bumbiro remutemo rebato. Mukupera kwesvondo bato re MDC ririkutarisirwa kuva nemisangano miviri mumwe wekuzeya nyaya yaAmai Matibenga uye newekuzeya nyaya yenhaurwa dzekuyananisa bato re ZANU PF nemapato maviri e MDC. Amai Matibenga vaudza Brenda Moyo weStudio7 kuti kunyange zvazvo vasina kukokwa kumusangano uchazeya nyaya yavo vanotarisira kuti hutungamiri hwe MDC huchagadzirisa nyaya iyi vodzorerwa pachinzvimbo chavo.

Dzimwe Nhau DzeStudio7..