VaBennett "Pachedu" Voronga Kukwikwidza kuChimanimani

Mubati wehomwe yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaRoy Bennett, vanoti vachapinda musarudzo dzegore rinouya vachikwikwidza mu Chimanimani Constituency kuManicaland, ndokana hurukuro pakati pebato ravo neZANU-PF dzabudirira.

VaBennett vanoti vakakumbirwa nevanhu vekuChimanimani kuti vavamirire musarudzo dzegore rinouya.

Pari zvino VaBennett vari muhupoteri kuSouth Africa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaBennett pamusoro penyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...