Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti varairidzi vari mudzimwe nzvimbo dziri kumaruwa vari kumanikidzwa kubhadhara mari dzekubatsira paExtra Ordinary Congress yeZanu PF iyo ichaitwa mwedzi unouya.
Sangano iri rinoti varairidzi vari kumanikidzwa kubhadhara mari iri pakati pe$300 000.00 ne$500 000.00. Varairidzi vanenge vasina kubhadhara mari idzi, vanonzi vari kunyorwa mazita pasi, izvo zviri kuzoita kuti vatye, vozvimanikidza kubhadhara mari idzi kana dai vasingade.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reZanu pf panyaya iyi.
Asi mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko iri riri kunyanya kuwanikwa mumatunhu eMashonaland East, Manicaland neMashonaland Central.