Barclays Bank Yoongororwa Panyaya Yekupa Makurukota aVaMugabe Zvikwereti

  • Blessing Zulu

Dare reHouse of Lords remuBritain pamwe nebato reMDC vanoti British Barclays Bank inofanira kuongororwa nekupa kwairi kuita mari kumakurukota ehurumende yaVaMugabe vachiti iri kutyora zvirango zvakatemerwa makurukota aya ne European Union.

Bepanhau reSunday Times reku U-K rinoti Barclays yakapa hurumende mari inosvika 750 million British Pounds mukutanga kwegore rino chete pasi pechirongwa che Agriculture Sector Productivity Enhancement Facility, icho chiri kutungamirwa neRBZ.

Makurukota akawana mari iyi anosanganisira gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaDidymus Mutasa , gurukota rezvekurima VaRugare Gumbo, gurukota rinona nezvekutevedzwa kwegwara rehurumende, VaWebster Shamu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndhlovu, pamwe negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa.

Vashanu ava vari pazvirango zvavakatemerwa neEU zvinoti hapana anofanira kuvapa mari yekuvabatsira. Mutauriri wemakurukota ehurumende mudare reHouse of Lords, Baroness Royal of Blaidsdon, vakaudza dare iri neMuvhuro kuti Barclays yave kutoongororwa.

Munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vakurudzirawo kuti nyaya iyi iongororwe.

VaOtto Saki gweta uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti zviri kuitwa neBarclays Bank hazvikurudzirwe.

Tichiri muBritain, dare reHouse of Lords rakazeyawo nyaya yekuti Zimbabwe yotaurwa nezvayo here kana kuti kwete pamusangano weCommomwealth Heads of Government Meeting, kana kuti CHOGM, uyo uri kuitirwa muUganda svondo rinouya.

Baroness Royal of Blaidsdon, vakaudza dare iri kuti sezvo Zimbabwe isisiri nhengo yeCommonwealth, nyaya yeZimbabwe inenge isiri pahurongwa hwemusangano uyu, asi vazivisa kuti ichange ichizeiwa, parutivi.

Sangano reRoyal Commonwealth Society of Zimbabwe, ndiro riri kuronga musangano uchaitirwa parutivi muUganda nemusi weChitatu svondo rinouya.

Director vesangano iri, VaStewart Mall, vaudza Studio7 kuti vari kuona zvakakodzera kuti vazeye nyaya yeZimbabwe nekuti vari kushushikana nematambudziko ari munyika. VaMall vati sangano ravo, ringade zvikuru kuona Zimbabwe ichidzokera muCommonwealth, sezvo vaine hukama hwakasimba nevanhu vemuZimbabwe.

Asi VaMall vati hapana chati chabuda kubva kukomiti inotungamirwa neJamaica, yakapihwa basa rekutsvaga nzira dzekuti zimbabwe idzokere muCommonwealth.

VaPhillip Pasirayi vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Senior Programmes Officer muCrisis in Zimbabwe Coalition.

VaPasirayi vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, kuti havaoni VaMugabe vachitenda kudzokera muCommonwealth.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...