Apo ruzhinji rwevatsigiri venhabvu munyika rwuri kutarisira mutambo uchatambwa nemusi weSvondo pakati peDynamos neHighlanders kunhandare yeGwanzura, zvikwata zviri pasi muPremier Soccer League zvinenge zvichirwira kurarama sezvo zvakatarisana nedemo rekudonhera muDivision one.
Zvikwata gumi nezvitatu muPremier Soccer League, zvakatarisana nematambudziko sezvo pasati paonekwa kuti ndiani chaiye achaeredzwa nemvura yemuperera.
Zvikwata zvitatu zvinofanirwa kutemwa zvichidonhera pasi asi hondo iyi ichakaro svika kumuganho, sezvo zvose zvakatarisana nematambudziko.
Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mitambo ichatambwa mukupera kwesvondo ichava nechekuita nezvichaitika mukupera kwegore.