Komiti yeparamende inoona nezve kutakurwa kwevanhu pamwe nezvinhu yati inotsigira pfungwa yeAir Zimbabwe yekuda kuti vanofamba nendege dzayo kuenda nzendo dzekunze kwenyika, vabhadhare nemari yekunze.
Komiti iyi yakagara neMuvhuro ikati inotsigira danho iri sezvo kambani iyi ichishandisa mari yekunze pane zvizhinji zvainoda.
Air Zimabwe yakaisa chikumbiro kuhurumende chekuti ibvumidzwe kukwidza mari dzinobviswa nevanhu vanenge vachida kukwira ndege.
Nhengo yeMDC inomirira Harare Central muparamende, uye vari nhengo yekomiti iyi, VaMurisi Zwizwai vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti Air Zimbabwe inoda mari yekunze kubhadhara zvinhu zvizhinji, kusanganisirawo vatyairi vendenge.