Sangano reZimbabwe Chamber of Commerce rati riri kutambira zvaitwa nehurumende zvekukwidza mitengo yezvinhu zvizhinji, richiti izvi zvinoyamura kumutsiridza makambani ayo anga akatarisana nenguva yakaoma zvichitevera kudzikiswa pamwe nekutarwa kwemitengo yezvinhu.
Komisheni inoona nezvemihoro pamwe nemitengo, yeNational Incomes and Pricing Commission, neChina yakabvumidza vezvitoro kuti vakwidze mitengo yezvinhu zvakaita seshuga, mukaka neupfu, nezvimwewo.
Hurumende inoti ichashanda nemasangano akasiyana siyana mukuedza kuti pave nemitengo inokodzera. Asi veruzhinji vataura neStudio 7 vati havaoni zvinhu zvichi wanikwa muzvitoro sezvo mitengo yatarwa iyi iri pasi zvikuru pane yepamukoto.
Muna Chikumi, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakamanikidza vezvitoro kudzikisa mitengo yezvinhu zvose, izvo zvakakonzera kushaikwa kwezvinhu munyika.
Amai Marah Hativagone ndivo mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce.
Amai Hativagone vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvaitwa nehurumende izvi ndizvo zvavagara vachichema kutyi zviitwe, kwete kutsikirira mitengo yezvinhu.