Dare Reseneti Rinotambira Kuvandudzwa kweBumbiro Remitemo Yenyika

Dare reseneti rakatambira neChipiri bhiri re Constitutional Amendment Bill Number 18 kuti rive mutemo.

Zvinonzi nhengo dzaive mudare iri, dzose dzakatsigira kuti bhiri iri rive mutemo. Kuti mutemo uyu uchishanda, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kuisa ruoko rwavo pamutemo uyu.

Hapana nguva yakatarwa kuti VaMugabe vanofanirwa kunge vasaina mutemo uyu kuti ushandiswe

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naAdvocate Eric Matinenga kuti vatsanangure kuti zvinhu zvichafamba seyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...