Kuramwa mabasa kwevarairidzi kuri kuenderera mberi pasina tarisiro yekuti hurumende nesangano rinomirira varairidzi reProgressive Teachers Union Zimbabwe, PTUZ, vanga gara pasi vakataurirana.
Kuramwa mabasa uku kwakatanga svondo rapera uye varairidzi vari kuda kuti mari dzemihoro dzikwire kubva pa$2.9 million pamwedzi kusvika pa$15 million pamwedzi.
Sangano reZimbabwe Teachers' Association, ZIMTA, rati richiri kuita hurukuro nehurumende panyaya dzemihoro zvichireva kuti nhengo dzaro hadzisi kuramwawo mabasa.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havasi kuzomira kuramwa mabasa uku kusvika hurumende yavapa mari dzavari kuda.