Nyanzvi munyaya dzechikafu nekurima, dzinoti mari yakaiswa parutivi nehurumende inoita $347 billion kuti igotengera vanhu chikafu, ishoma zvikuru zvekuti inogona kushandiswa kwemwedzi mitatu chete.
Vachitura mashandisirwo emari kusvika gore rapera muparamemde svondo rapera, gurukota rinoona nezve mari, VaSamuel Mumbengegwi, vakati Zimbabwe inoda mari yakawanda yekutengera vanhu chikafu, kudzimara vakohwa gore rinouya.
Mazvikokota anoshanda ne Action Aid, VaZvidzai Maburutse, vanoti pamhuri mazana matanhatu ezviuru, dzine vanhu vatanhatu pamhuri, zvinoreva kuti vanhu vachawana chikafu ichi vanosvika 3,6 million.
Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMaburutse kuti tinzwe pfungwa dzavo pamari inonzi ichashandiswa pakutenga chikafu gore rino.