Lobels Bread Yotadza Kushanda Nekushaya Upfu Hwekubikisa Chingwa

Kambani hombe inotengesa chingwa yeLobels Bread, inoti yasara neflour yemazuva maviri chete. Vachitaura nebepanhau re Herald, maneja wekambani iyi, Va Lemmy Chikomo, vati nepamusana pekuoma kwaita zvinhu, kambani yavo yambomisa vashandi basa muBulawayo nemuHarare.

MuHarare mega, zvinonzi vashandi vanosvika chiuru nemazana mashanu, vambomiswa basa, kunyange hazvo vari kupihwa mari dzose dzavanotambira.

Asi VaChikomo varamba kutaura neStudio 7 nezviri kuitika mukambani yavo.

Kambani iyi yanga yava kubika zvingwa zvinosvika zviuru makumi mana, kubva pamazana maviri ezviuru zvechingwa pazuva.

VaLeonard Kuzondishaya ndivo munyori mukuru we Federation of Food Workers Union.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaKuzondishaya kuti vanofungeyi nezvataurwa nekambani yeLobels Bread.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...