Vechidiki veZanu PF Vomanikidza Vanhu Kunotambira Mutungamiri weEquatorial Guinea

Nhengo dzeZANU-PF pamwe nevechidiki vebato iri, vanonzi vamanikidza vagari vemuMbare pamwe nevanhu vanotengesa zvinhu zvavo munzvimbo iyi, kuenda kunhandare yendege kuti vanotambira mutungamiri weEquatorial Guinea Va Theodore Obiang Nguema Mbasogo.

Vaona zvichitika vanoti izvi zvaitika masikati eChipiri, uye vanhu vanga vachida kuramba, varohwa vachibva vamanikidzwa kupinda mumabhazi anga achitakura vanhu.

VaDiamond Karandu mugari wemuMbare, uyezve vari munyori wemumiriri weMbare muparamende, VaGift Chimanikire.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaKaranda kuti chii chaitika nhasi paMbare Musika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...