Operation Dzikisai Mitengo Yovharisa Makambani Anogadzira Fotereza

Makambani matatu anogadzira fotereza anoti Dorowa Minerals, Iron Duke neZipmhos, ambomira basa achiti haana zvekugadzirisa fotereza uye magetsi ari kugara akadzimwa. Mamwewo makambani anogadzira maplastics anoti akavhara uye mamwe akaita seSaltram Plastics, ari kugadzira maplastics mashoma.

Chief executive veChemplex, kambani inotungamira mabasa pamakambani matatu anogadzira fotereza aya, VaEben Makonese, vaudza bepanhau reHerald kuti vakatomanikidza vamwe vashandi kuenda pazororo.

Nyaya yeOperation Dzikisai Mitengo inonziwo yapa kuti vanogadzira fotereza ava vashaye mari, zvichitevera kudzikiswa kwemitengo yefotireza yavanogadzira. Vamwe vataura neStudio 7 kuZimphos vanoti vari kutengesa fotereza nemutengo waKubvumbi, izvo zviri kupa kuti vashaye cheuviri.

Nyanzvi munyaya dzekurima dzinotiwo kushaikwa kwefotereza kuchapa kuti nyika itarisanezve nenzara.

Asi vamwe vakuru muhofisi yegurukota rezvekurima, vati havasati vasumwa nezvekuvharwa kwemakambani efotereza aya. Vanotiwo vemakambani aya vakatoudza bazi rezvekurima neChishanu chapfuura kuti vachapa varimi fotereza yakakwana.

Vakabva vanakurira nyoka mhenyu kugurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana nedzimwe nyika, VaObert Mpofu, vachiti ndivo vanoziva zviri kuitika.

Kuvharwa kweZimphos kuchapa kuti ZINWA ikundikane kuchenesa mvura inoshandiswa muHarare, sezvo yaitenga kuZimphos mishonga yakaita se Aluminium Sulphate nemimwe mishonga, iyo inoshandiswa pakuchenesa mvura.

Mutungamiri we Zimbabwe National Chamber of Commerce, Amai Marah Hativagone, vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti sei zvinhu zviri kuramba zvichinetsa kana hurumende iri kubvumidza kuti zviwedzerwe mitengo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...