MDC Yozeya Bhiri Rakatarisirwa Kushandura Bumbiro Remitemo Yenyika

Dare reparamende rakatarisirwa kuzeya kuvandudzwa kwechikamu chebumbiro remitemo yenyika, Constutitional Amendment Bill number 18.

Mapato eZANU-PF, pamwe neMDC vakatarisirwa kutanga gakava rakatarisirwa kuunza shanduko yekuti bumbiro remitemo, rishandurwe, kuitira kuti sarudzo dzevamiriri veparamende dzienderane nedzemutungamiri wenyika.Gakava iri rinotarisirwa kutanga kana ZANU-PF yaunza bhiri iri patafura.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika, vanoti sezvo ZANU-PF iine nhengo dzakawanda mudare reparamende, zvido zvayo, ndizvo zvichaitwa.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naAmai Priscilla Misihairambwi- Mushonga vanomirira Glen Norah muparamende, kudivi reMDC inotungamirwa na Va Arthur Mutambara kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Vamwe vataurawo neStudio 7, vanoti ZANU-PF haitarisirwi kuunza bhiri iri mumazuva mashoma anotevera, sezvo svondo rinouya dare reparamende richange risingasangane. Asi vamwe vanoongorora zvematongerwe enyika, vanoti ZANU-PF ichatora nguva yayo, sezvo ichiziva kuti ndiyo yakabata matomu.

Carole Gombakomba aita zvakare hurukuro na Chief Whip mudare reparamende, mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Innocent Gonese, avo vanoti bato ravo harisati rabudawo nechisungo chekuti vachafambisa nyaya iyi sei, asi vanovimba kuti ZANU-PF, ichaitawo zvido zveveruzhinji.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...