Paramende Inovhurwa Ichikurudzirwa Kuzeya Operation Dzikisai Mitengo

Dare reparamende ratanga zvakare kugara richiita basa raro muchikamu chechitatu chegore rino. Aka ndekekupedzisira dare iri richisangana sarudzo dzekutsvaga vamwe vamiriri veparamende dzisati dzaitwa.

Patanga dare iri neChipiri, mumiriri weHatfield muparamende, Va Tapiwa Mashakada, vaisa chikumbiro chekuti dare iri, ritotange kuzeya dambudziko rave munyika, zvichitevera, Operation Dzikisai Mitengo, yakaparurwa nehurumende, iyo iri kukonzera kugeda geda kwemeno.

Dare iri rakatarisirwa zvakare kuzeya nyaya yekushandura chikamu che bumbiro remitemo yenyika, Constitution Amendment Bill 18, icho chakatarisirwa kupa bato re ZANU-PF masimba ekuti sarudzo dzemutungamiri wenyika, dziitwe panguva imwe chete nesarudzo dzevamiriri veparamende gore rinouya.

Mutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro na Muzvare Paurina Mpariwa, mumiriri weMufakose muparamende, uyezve vari mutevedzeri wa Chief Whip we MDC mu paramende, kuti tinzwe zvaitika mudare iri.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...