Nhengo dzesangano reSouthern African People's Solidarity Network, (SAPSN) idzo dzakarambidzwa kupinda muZambia nemusi weChipiri manheru, dzakachengetwa nemapurisa paChirundu, dzakazoregedzwa neChitatu manheru.
Vanhu vanosvika makumi matanhatu vakarambidzwa kupinda muZambia nezvikonzero zvisina kunyatsojekeswa. Asi pane fungidziro yekuti kuwanikwa kwavo vaine maT-shirt akanzi akarerekera kune zvematongerwo enyika, uye kuti vaive nehurongwa hwekuzoratidzira pamusangano weSADC muZambia, ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvakaita kuti varambidzwe.
Mushure mekuregedzwa nemapurisa epaChirundu, vanhu ava vakazoperekedzwa nemapurisa kusvika kuChinhoyi, makiromita mazana maviri nemakumi matatu ane matanhatu kubva kuChirundu.
Imwe nhengo yesangano iri, VaAndy Ziyera, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mapurisa aida kubata chokwadi kuti vakanga vasingazodzoka zvakare kuZambia.