VaMbeki Voudza SADC Kuti Hurukuro dzeZANU-PF neMDC Dziri Kubudirira?

Pane mashoko ari kubuda kubva kuZambia ekuti mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, vachaudza vakuru veSADC kumusangano wemu Lusaka kuti mapato eZanu PF neMDCave pedyo nekuwirirana pakugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

VaMbeki ndivo vakasarudzwa kuva mutongi gava pagakava riri munyika. Gwaro riri kunzi richaturwa naVaMbeki, rinoti vachataura kuti Zanu PF neMDC zviri kuwirirana panyaya yekuvandudza bumbiro remitemo. Gwaro iri rakatoburitswa mumapepanhau neChitatu neChina.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMbeki vave kuda kuti Zanu PF neMDC dzitaurirane panyaya yekuvandudza chikamu checonstitution kana kuti constitutional ammendement number 18 ichabata nyaya yesarudzo. Asi VaMugabe vakapika pavaivhura paramende kuti havasi kuzonyora bumbiro idzva remitemo, nekuti hurumende yavo iri kugadzirisa nyaya iyi muparamende.

Vakuru muhurumende yeSouth Africa vaudza Studio 7 kuti VaMbeki kubva neChishanu kusvika Muvhuro vakasangana naVaTendai Biti vekuchikwata chaVaTsvangirai, naVaWelshman Ncube, vekuchikwata chinotungamirirwa naVaMutambara. Zvinonziwo vakasanganawo nevamiriri veZanu PF, VaPatrick Chinamasa naVaNicholas Goche..

VaErnerst Mudzengi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari National Director weNCA.

VaMudzengi vaudza mutori wenhau Blessing Zulu WeStudio 7 kuti hapana zvati zvabuda munhaurirano dzeMDC neZANU-PF.

Zvichakadaro, nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, neChina dzakasangana muLusaka nemutungamiri webato raimbotonga muZambia, reUnited National Independence Party, VaTilenje Kaunda, dzikavaudza zviri kuitika munyika.

Vanoona nezve kudyidzana mune zvematongerwo enyika muMDC kuchamhembe kwe Africa, VaNqobizitha Mlilo, pamwe naVaJoseph Mungwari, avo vaonoona nezve kuburitswa kwemashoko muMDC kuchamhembe kweAfrica, ndivo vasangana naVaKaunda, avo vanova munin’ina wevaimbove mutungamiri weZambia, VaKenneth Kaunda. MDC inoti yasanganawo nemasangano akazvimirira ega ichiaudza chokwadi chemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Munyori annona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Professor Eliphas Mukonoweshuro, sachigaro webato iri, VaLovemore Moyo, mutevedzeri wemutungamiri weMDC, muzvare Thokozane Khupe, pamwe nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, vari kutarisirwa kunge vari muZambia neChishanu.

VaMlilo vaudza mutori wenhau weStudio 7 Patience Rusere kuti VaKaunda vati VaMugabe havafanire kubviswa nemhirizhonga.

Dzimwe nhau Kubva kuStudio7...