Nhengo dzeMDC Dzoda Kuripwa $1 Trillion neHurumende

Nhengo dzeMDC dzakasungwa nemapurisa muna kurume dziri kutarisirwa kuenda kumatare neChitatu kuti dziripwe nehurumende mari inodarika $1 trillion. Gweta renhengo idzi, VaAlec Muchadehama, vanoti vave kutopedza kugadzirisa mapepa ekuti vakwidze nyaya iyi kumatare.

Vakasungwa ava vari kuti vanoda kuripwa sezvo vakusungwa zvisiri pamutemo, kurohwa, kutochwa, uye vanoti vanoda kuripwa mari dzavakaendesa kuchipatara, nedzavakarasikirwa nadzo apo vaive muhusungwa.

Zvinonzi mari yekuchipatara yaVaMorgan Komichi, avo vachiri muhusungwa vari muchipatara kuWest End Clinic, yave kutopfuura $500 million. Vakasungwa ava vanosanganisira mumiriri weGlen View mudare reparamende, VaPaul Madzore, munyori anoona nezve sarudzo, VaIan Makone nevamwe.

Asi nyaya yekukanganisa kwemapurisa yakatanga kubuda pachena mutongi wedare reHigh Court, VaLawrence Kamocha, vakapa mutongo wekuti mapurisa ainge areva nhema pakusunga varume ava.

VaKamocha vakatiwo mapurisa ainge anyepa kuti pane vanhu vaviri vaizopa huchapupu, asi mazita evanhu ava ainge ari mazita asina varidzi, sezvo mapurisa akakundikana kuunza zvapupu izvi zviine zvitupa. Vakatiwo mapurisa ainge anyepa kuti vanhu ava vainge vadzidzira zvehugandanga papurazi reLala Bundu kuSouth Africa.

Asi zvakaonekwa kuti hakuna purazi rakadai. Svondo rapera MDC yakatiwo inoda kuripwa mari inoita $504 billion naVaMohadi, VaChihuri vevamwe vakuru vemapurisa vatatu ichiti vainge vazvidza dare nekuvarambidza kuita musangano kuHighfield, uko kwakarohwa vanhu nemapurisa munaKukadzi. Imwe nhengo yeMDC kuManicaland, VaLloyd Mahute, vari kuronga kukwidzawo mapurisa kumatare, vachiti vakarohwa zvakaipisisa vari muhusungwa.

VaOtto Saki gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza mnutori wenhau Blessing Zulu weStudio kuti kunyange hazvo hurumende ikaramba zvabuda mudare, zvinenge zvanyorwa pasi kuti vari kutyora kodzero dzevanhu ndivanani kuitira mangwana.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...