Mudzidzi wepaUZ Anopondwa Zvisina Tsarukano

Mashoko atinawo anoti mudzidzi wepa University of Zimbabwe, akawanikwa akafa, mushure mekupondwa muHarare nemusi weChishanu, svondo rapera.

Sangano re Crisis in Zimbabwe Colalition, iro rinoshanda nesangano revadzidzi, reZINASU, rinoti mudzidzi uyu, Tafirenyika Mugwidi, uyo aiva mugore rechipiri muzvidzidzo pa UZ, akawanikwa akapondwa pamwe chete nevamwe varume vaviri, panzvimbo imwe chete.Tafirenyika anonzi akavigwa kuMhondoro nemusi weChipiri.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Oliver Mandipaka, vaudza Studio7 kuti havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi nhasi, vachiti tizovachaira runhare neChitatu.

VaMcdonald Lewanika ndivo mutauriri we Crisis in Zimbabwe Coalition, uyezve vari coordinator veStudents Solidarity Trust.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaLewanika kuti tinzwe zviri kuitika panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...