Hurumende yave kuramba ichirova nhendeshure panyaya yemitengo, zvichitevera kushaikwa kwezvinhu zvekudya nezvekushandisa muzvitoro.
Hurumende neMuvhuro yakati haisi kuzorambidza vanhu kutenga zvekudya kubva kune dzimwe nyika sezvayakambenge yataura.
Kurambidzwa kwezvinhu izvi kwange kuchifanira kutanga neChitatu. Mutengo wemombe wawedzerwawo kubva pa $3 million kusvika pa $12 million.
Vakuru muhurumende vaudzawo Studio 7 kuti mutengo wemafuta wakawedzerwawo kubva pa$22,000 kusvka pa $91,000, mushure mekunge kambani yeMidex Group yeku India, yazivisa kuti yainge yoda kubuda muZimbabwe.
Midex yakabatana nekambani yehurumende yeIndustrial Development Corporation mukuumba kambani inonzi Surface Investnment, iyo inogadzira mafuta kuChitungwiza.
Asi kunyange hazvo hurumende iri kudududza pane mitengo yezvimwe zvinhu, mapurisa ari kuenderera mberi nekusunga vemabhizimisi.
Mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Oliver Mandipaka, vaudza Studio 7 kuti kusvika pari zvino, vasunga vanhu zviuru zvitanhatu nemazana maviri ane gumi nevatatu, 6 2 13.
VaProsper Chitambara nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende yave kuratidza pachena kuti yakundikana panyaya ye"Operation Dzikisai Mitengo."