MDC Inoita Misangano muBulawayo neHarare

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakati chirongwa chokudzikisa mitengo chaburitsa pachena kuti VaMugabe vapererwa nemazano ekugadzirisa hupfumi hwenyika.

VaTsvangirai vakati vana veZimbabwe vanofanirwa kuita muonera pamwe pakubvisa Zanu PF pahutongi musarudzo dzegore rinouya.

Kurudziro iyi yakaitwa pamusangano wakaitwa muBulawayo nemusi weSvondo, uye nyaya iyi tinoipihwa naNetsai Mlilo.

Ukuwo, vanhu vanopfuura zviuru zvishanu vakaungana muGlen Norah muHarare kuzonzwa vamwe vevatungamiri veMDC vachitaura. Sekutaura kuri kuita Safari Njema, vanhu vakawanda vakaratidza kuti vaneta nekutongwa neZanu PF, iyo yawondomora hupfumi hwenyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...