NCA yati hurumende iri kuramba ichishungurudza nhengo dzayo kuitira kuti dzisataure zviri kuitika munyika pamwe nekurwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva. Izvi zvinotevera kusungwa kwasachigaro wesangano iri kuManicaland, VaElisha Makuyana nemusi weChipiri.
VaMakuyana vakasungwa vachipomerwa mhosva yekushoropodza mutungamiri wenyika apo vaitaura nemumwe wavo nezve Operation Dzikisai Mitengo.
VaMakuyana vanga vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare neChina, asi hatina kukwanisa kunzwa kuti izvi zvabudirira here.
National Director weNCA, VaEnerst Mudzengi vaudza Studio 7 kuti hurumende yaifunga kuti NCA ndaVaMadhuku chete vasingazivi kuti yakapararira nenyika yose.
Mune imwewo nyaya, munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vazvipira kumapurisa zvichitevera kushevedzwa kwavakaitwa neChitatu.
Mapurisa anoti VaChibebe vari kuronga zvokuda kupidigura hurumende yaVaMugabe nechisimba. Zvinonzi mupurisa anzi ari kuferefeta nyaya iyi haana kuwanikwa izvo zvazoita kuti VaChibebe varegedzwe sekutaura kuri kuita Thomas Chiripasi