Vana Mazvikokota Vozeyera muSouth Africa Zviri Kunetsa muZimbabwe

Vana mazvikokota munyaya dzezviri kuitika muZimbabwe vaungana neChitatu pamusangano waitirwa mu Pretoria, umo vanga vachizeya zvingaitwe kuitira kuti zvinhu zvimire zvakanaka muZimbabwe.

Musangano uyu wazeyawo nhaurirano pakati peZANU-PF neMDC, idzo dziri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki. Vana mazvikokota ava vabudawo nepfungwa yekuti vakuru vemu Africa vaite muonera pamwe nevakuru venyika dzakabudirira kuitira kuti matambudziko akatarisana neZimbabwe agadzirise. Dingindira remusangano uyu rinoti “Beyond Brinkmanship and Quiet Diplomacy: A New Chance For Zimbabwe.’’

Mutungamiri we Human Sciences Research Council, VaPeter Kagwanja, vanoti vatungamiri vekuchamembembe kweAfrica vanoona sekunge hurumende yaVa Mugabe iri kushorwa nekuti yakapa vanhu vatema mapurazi aive evachena, ukuwo vatungamiri venyika dzakabudirira vanoona sekunge hurumende yaVaMugabe ndiyo iri kutyora kodzero dzevanoipikisa.

Doctor Martin Rupiya inyanzvi munyaya dzechiuto paInstitute of Security Studies muSouth Africa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaRupiya kuti tinzwe zvaitika pamusangano waitirwa muPretoria.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio Seven...