ZCTU pamwe neCOSATU yekuSouth Africa neMuvhuro dzakaburitsa gwaro rinotsanangura kushushikana kwemasangano aya nemamiriro aita zvinhu munyika munyaya dzeupfumi.
Sangano reCOSATU rakati richakurukura nevarinodyidzana naro kuti vaunganidze rubatsiro rwekupa mhuri yeZimbabwe iri muhupoteri muSouth Africa.
Vatungamiri vemasangano maviri aya vakasangana muJohannesburg, South Africa neMuvhuro, zvichitevera kukokwa kweZCTU nemadzisahwira avo eCOSATU kuti ivarume nzeve nemamiriro akaita nyaya dzeupfumi, pamwe nezviri kuitika muZimbabwe.
Masangano aya akati ari kunetsekana nemamiriro akaita hupfumi hwenyika, uhwo hwaenda kumawere.
Sangano reCOSATU rakatiwo richaedza nepose parinogona napo kuti bato riri kutonga muSouth Africa re ANC, rinzwe zviri kunetsa muZimbabwe.
Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti panofanirwa kuwanikwa nzira dzekugadzirisa zviri kunetsa izvi nekuchimbidza.